Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chishanu, Kukadzi 05, 2021


Nhau DzeShona Studio7

Bazi rezvehutano rakazivisa kuti vanhu gumi nevapfumbamwe, kana kuti 19, vakafa neCovid-19 nezuro, izvo zvakasvitsa huwandyu hwevanhu vafa pachiuru nemazana maviri nemakumi masere nevasere, kana kuti 1,288.

Hurumende inoti zvikoro zvepamusoro soro munyika zviri kuita basa guru rekugadzira zvikwanisiro zvekushandisa mukudzivirira chirwere cheCovid-19

Vanorarama nekuita zvepabonde voomerwa nehupenyu sezvo kuvharwa kwenyika kuri kuvharawo mikana yekuti vawane mari.

Vatyairi vedzimotokari vochema chema nekukwidzwa kwemitengo yepeturu nedhiziri

Paramende yeAmerica inobvisa nhengo yeRepubican Party, Amai Marjorie Taylor Green, mumakomiti avanga vari vachipomerwa mhosva yekushambadza mashoko anokuridzira ruvengo, rusarura pamwe nekupatsanurwa kwevanhu muAmerica.

Chikwata cheDynamos chiri kuenderera mberi nekutenga vatambi vatsva kunyange hazvo pasina chivimbo chekuti nhabvu ichatambwa here muZimbabwe gore rino

Muchirongwa cheLiveTalk na8pm tiri kutarisa pamire kodzero dzevanhu panguva iyo nyika iri kurwisa chirwere cheCovid-19.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG