Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, China, Kukadzi 04, 2021


Nhau DzeShona Studio7

Bazi rezvehutano rakazivisa kuti vanhu makumi maviri kana kuti 20, vakafa neCovid-19 nezuro, vamwe zana nemakumi mashanu, kana kuti 150 vachiwanikwa vaine chirwere ichi.

Nyanzvi dzehutano dzichiti kuderera kwehuwandu uku kunogona kunge kuri kukonzerwa nematanho ari kutorwa ekudzivirira kupararira kwehutachiwana.

Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vanotaura pamusoro pemamiriro akaita zvinhu vachinyanya kubata nyaya yedambudziko rechirwere cheCovid-19

Gurukota rezvehutano, Va Constantino Chiwenga, vanocherechedza zuva rechirwere chegomarara vachiti nhomba yegomarara ichapihwa munhu wese anenge achida kuishandisa.

Sangano reZimRights rinopa hurumende mazuva manomwe ekubuda pachena nehurongwa hwakajeka hweCovid-19 hunoitwa zviri pamutemo. Nyaya iyi yatove mudare redzimhosva repamusoro.

Dare redzimhosva rinonyima mukana wekubvisa mari yechibatiso kumumiriri weMDC Alliance mudunhu reHarare West muNational Assembly, Muzvare Joanna Mamombe, pamwe nemutevedzeri wasachigaro wevechidiki muMDC Alliance, Muzvare Cecilia Chimbiri.

Muchirongwa cheWomen’s RoundTable na8pm tiri kutarisa zviri kuitika muhupenyu hwevanhukadzi panguva iyo nyika iri kurwisa chirwere cheCovid-19.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG