Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chitatu, Kukadzi 03, 2021


Nhau DzeShona Studio7

Vanhu makumi maviri vakafa nechirwere cheCovid-19 nezuro, izvo zvakasvitsa huwandu hwevanhu vafa nechirwere ichi pachiuru nemazana maviri nemakumi mashanu nevana, kana kuti 1,254

Studio7 inotarisa zvakadzama kana mutongo wakapihwa hurumende wekuti iburitse mashoko akakwana pamusoro pechirwere cheCovid-19, uri kutevedzerwa nemazvo nehurumende.

Dare redzimhosva rotarisirwa kupa mutongo waro mangwana pachikumbiro chekubvisa mari yechibatiso chakaiswa mudare iri nemumiriri weMDC Alliance mudunhu reHarare West muNational Assembly, Muzvare Joanna Mamombe, pamwe nemutevedzeri wasachigaro wevechidiki muMDC Alliance, Muzvare Cecilia Chimbiri.

Mumiriri weZengeza West mudare reparamende, uye vari mutevedzeri wasachigaro weMDC Alliance, VaJob Sikhala, votaura neStudio 7 nezve nhamo yavakaona vari mujeri reChikurubi

Studio7 inoenderera mberi nekutarisa zviri kuitika muAmerica.

Anotsvagira vatambi zvikwata zvekutambira kunze kwenyika, VaGeorge Deda, vave kushandira kuZanzibar kuitira kuti vabatsire zvikwata zvenyika nevatambi vemuno panguva ino yekushaikwa kwemitambo muZimbabwe.

Muchirongwa cheLiveTalk na8pm tiri kutarisa zviri kuitwa nezvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG