Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chipiri, Kukadzi 02, 2021


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7

Bazi rezvehutano rinoti vanhu gumi nevanomwe, kana kuti 17, vakafa neCovid-19 nezuro, izvo zvakasiya huwandu hwevanhu vafa munyika yose hwave pachiuru nemazana maviri ane makumi matatu nevana, kana kluti 1 234.

Vanhu zana nemakumi matanhatu, kana kuti 160, vakawanikwa vaine chirwere ichi nezuro wakare, izvo zvakasiya vanhu vabatwa nechirwere ichi munyika yose vasvikawo pazviuru makumi matatu nezvitatu zvine mazana mashanu nemakumi mana nevasere, kana kuti 33 548.

China inozivisa kuti Zimbabwe ndeimwe yenyika gumi neina dzichitanga kuwana majekiseni enhomba yekudzivirira chirwere cheCovid-19 kubva kunyika iyi pasi pechirongwa chayo chekubatsira nyika dzichiri kubudirira.

Mumwe mukuru wemapurisa, Assistant Commissioner Erasmus Makodza, vanopihwa mukana wekubhadhara mari yechibatiso pamhosva yavari kupomerwa yekushandisa chinzvimbo chayo zvisiri pamwero.

Mumiriri weMDC Alliance mudunhu reHarare West muNational Assembly, Muzvare Joanna Mamombe, vanomiswa pamberi pedare vachipomerwa mhosva yekutyora mitemo inobata Covid-19

Studio7 inoenderera mberi nekukuudzai zviri kuitika munyaya dzematongrwo enyika muAmerica.

Muchirongwa cheThe Connection na8pm tiri kutarisa mamiriro akaita zvinhu pamusoro peCovid-19 pamwe nezviri kuitwa nevechidiki mukupana mazano pamusoro pedambudziko iri.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG