Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Muvhuro, Kukadzi 01, 2021


Nhau DzeShona Studio7

Vanhu makumi maviri nevana vofa nechirwere cheCovid-19 nezuro kusanganisirawo vamwe vakuru vakuru.

South Africa iyo ine vanhu vakawandisa vafa nekubatwa nechirwere cheCovid-19 muAfrica yotenga nhomba yekubatsira kudzivirira kupararira kwechirwere ichi mushonga unosvika miriyoni imwe chete uchipinda munyika iyi nhasi.

Hurumende yeBritain yotemera zvirango gurukota rezvevasori VaOwen Ncube nevamwe vakuru vemauto.

Nhengo dzeMDC Alliance dzinoti mumiriri weHarare West mudare reparamende Muzvare Joanna Mamombe, Muzvare Netsai Marova naMuzvare CeciliaChimbiri dzosungwa uku VaJob Sikhala vachipihwa mukana wekubvisa mari yechibatiso.

Mumwe mukuru wemapurisa kuMatabeleland North VaErasmus Makodza vosungwa vachipomerwa mhosva yehuori.

Muchirongwa cheLiveTalk na8pm tiri kutarisa nyaya yechirwere cheCovid-19 munyika.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio 7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

End

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG