Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chishanu, Ndira 29, 2021


Nhau DzeShona Studio7

Hurumende inowezera nemasvondo maviri chirongwa cheNational Lockdown Level Four kusvika musi wa 15 Kukadzi nepamusana pekuti dambudziko reCovid-19 riri kuramba richikura munyika.

Bazi rezvehutano rakazivisa nezuro manheru kuti vanhu makumi matatu nevasere vakafa nechirwere cheCovid-19 izvo zvakasvitsa huwandu hwevanhu vafa nechirwere ichi munyika yose pachiuru nezana rine makumi matanhatu, kana kuti 1160.

Sangano reZimbabwe Lawyers for Human Rights rinoti hurumende infanirwa kubuda pachena hurongwa hwayo hwekutenga nhomba yeCovid-19 uye kuzivisa kuti vanhu vachabayiwa seyi uye riini, nhomba iyi.

Zimbabwe yoramba iri pamusoro pakati penyika dzinoita huori hwakanyanya.

Vanhu vashanu vanofungidzirwa kuti vakafa mushure mekudhirika kwemugodhi weElvington kuChegutu.

Hurumende yokurudzirwa kuti ideredze huwandu hwevanhu vari mumajeri avo vari kugara vakamanikidzana sembeva munguva ino yeCovid-19.

Muchirongwa cheLiveTalk na8pm tiri kutarisa zvinoreva kuwedzerwa kwenguva yeNational Lockdown Level Four.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG