Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chitatu, Ndira 27, 2021


Misoro yeNhau
Misoro yeNhau

Mutevedzeri wemutungamiri wenyika, VaConstantino Chiwenga, vanoviga magamba matatu paHeroes Acre vachikurudzira veruzhinji kuti vangwarire kuchirwere cheCovid-19 chakatora hupenyu hwemagamba matatu avaradzika nhasi aya.

Hurumende inoti vanhu makumi maviri nevasere, kana kuti 28, vakafa neCovid-19 nezuro, izvo zvakasvika huwandu hwevanhu vafa pachiuru nezana netatu, kana kuti 1,103.

Mukuru anoona nezvezvirwere zvinotapuriranwa mubazi rezvehutano, Dr Portia Manangazira, votaura pamusoro pezvinofanira kuzivikanwa nevanhu vari kuchengeta varwere veCovid-19 mudzimba.

Mutori wenhau, Hopewell Chin’ono, anopihwa mukana wekubhadhara mari yechibatiso kuitira kuti atongwe achibva kumba kwake.

Muchikamu chedu chatinotarisa zviri kuitwa nezvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika, nhasi tiri kutarisa mabasa ekubatsira vakwegura pamwe nevanoshaya ari kuitwa kumusha naMuzvare Rutendo Saurombe, avo vari muno muAmerica.

Muchirongwa cheLiveTalk na8pm tiri kutarisa zviri kuitwa nezvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kqwenyika..

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG