Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chipiri, Ndira 26, 2021


Nhau DzeShona Studio7

Hurumende inoti vanhu makumi manomwe kana kuti 70, vakafa neCovid-19 munyika nezuro, izvo zvakasvika huwandu hwevanhu vafa pachiuru nemakumi manomwe nevashanu, kana kuti 1075.

Kunaya kwemvura yakawandisa kwovhiringa zvirimwa nevanhu mudzimwe nzvimbo.

Nyanzvi munyaya dzehupfumi dzotaura pamusoro pematambudziko pamwe nezvakanaka zvinogona kukonzerwa nekunayisa kwemvura.

Vatori venhau vosungirwa kushandisa makadhi egore rapera iyo hurumende isati yapa vatori venhau vose makadhi egore rino.

Mumiriri weZengeza West muNational Assembly, uye vari mutevedzeri wasachigaro weMDC Alliance, VaJob Sikhala, vodzoka zvakare kudare mangwana sezvo nyaya yavo yechikumbiro chekubhadhariswa mari yechibatiso isina kunzwikwa.

Studio7 inotarisa zvakadzama zviri kuitika muAmerica pasi pehurumende itsva yaVaJoe Biden naAmai Kamala Harris.

Muchirongwa cheThe Connection na8pm tiri kutarisa zviri kuitika munyaya dzedambudziko rechirwere cheCovid-19.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG