Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Muvhuro, Ndira 25, 2021


Nhau DzeShona Studio7

Vanhu vafa nechirwere cheCovid-19 vodarika churu chimwe chete mushure mekufa kwevanhu makumi matatu nemumwe nezuro.

Vashandi vezvehutano vasere vange vashaya vamwe vanosvika churu nemazana mashanu vachibatwa nechirwere cheCovid-19 kubva zvachatanga kupararira gore rapera.

Hurumende yoyambira veruzhinji kuti vasashambadze manyepo pamusoro pehutano hwevakuru vehurumende, panguva iyo vamwe vemakereke vari kukurudzira kuti vanhu vasatora nhomba yeCovid-19 vari kushoropodzwa nehurumende.

Munhau dzemitambo, chikwata cheZimbabwe Warriors chodzoka kubva kumakwikwi eChan chisina kukunda kana mutambo mumwe chete.

Muchirongwa cheLiveTalk na8pm tiri kutarisa nyaya yechirwere cheCovid-19 munyika. Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio 7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG