Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chishanu, Ndira 22, 2021


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7

Vanhu makumi matatu nevasere, 38, vakafa nechirwere cheCovid-19 nezuro, izvo zvakasvitsa huwandu hwevanhu vafa munyika yose pamazana mapfumbamwe negumi nevanomwe, kana kuti 917.

Sangano re Medical and Practitioners Council of Zimbabwe royambira veruzhinji kuti vasashandise mishonga iri kunzi inodzivirira chirwere cheCovid-19, sezvo mishonga iyi ichigona kuvhiringa hutano hwavo.

Vashandi vehurumende vanoti vari kutambira nemufaro danho rakatorwa nehurumende rekuti chikamu chevashandi vashoma shoma vaende kumabasa munguva ino yekurwisa kupararira kwechirwere cheCovid-19.

Varimi vakawanda vanoti vari kutarisira kukohwa pakuru mwaka uno zvichitevera kunaya zvakanaka kwemvura kunyange hazvo mvura iyi iri kuwandisa mudzimwe nzvimbo.

Nyanzvi munyaya dzematongerwo enyika dzozeya hurongwa hwemutungamiri weAmerica mutsva, VaJoe Biden, nemutevedzeri wavo, Amai Kamala Harris.

Muchirongwa cheLiveTalk na8pm tiri kutarisa zviri kuitika munyaya dzedambudziko reCovid-19.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG