Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, China, Ndira 21, 2021


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7

Vanhu makumi mashanu nevana vakafa nechirwere cheCovid-19 nezuro, izvo zvakasvitsa huwandu hwevanhu vafa munyika yose pamazana masere nemakumi manomwe nevapfumbamwe.

Vaimbove gurukota reManicaland, Amai Ellen Gwaradzimba, pamwe nenhengo yeZanu PF Central Committee, VaMorton Malianga, varadzikwa semagamba enyika nemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa.

Vemakereke, makambani pamwe nevanhuwo zvavo vokurudzirwa kuti vabatsirane nehurumende muzvirongwa zvekurwisa kupararira kweCovid-19 panguva iyo huwandu hwevanhu vari kubatwa pamwe nekufa nechirwere ichi, huri kuramba huchikwira.

Dare redzimhosva rinonzwa chikumbiro chemutori wenhau, Hopewell Chin’ono, chekuti apihwe mukana wekubvisa mari yechibatiso kuitira kuti atongwe achibva kumba kwake.

Asi mutongi wedare iri ati achapa mutongo wake muzuva raasina kutara kuti achaita izvi.

Nyanzvi munyaya dzematongerwo enyika dzozeya hurumende itsva yeAmerica iri pasi paVaJoe Biden, nemutevedzeri wavo, Amai Kamala Harris.

Muchirongwa cheWomen’s RoundTable na8pm tiri kutarisa zvinosangana nevanhukadzi muhupenyu hwavo.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG