Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chitatu, Ndira 20, 2021


Nhau DzeShona Studio7

Gurukota ranga richiona nezvekudyidzana pamwe nekutengeserana nedzimwe nyika, VaSibusiso Moyo, vashaya nhasi nechirwere cheCovid-19.

Vanhu makumi mashanu nevaviri vakafa nechirwere cheCovid-19 nezuro, izvo zvakasvitsa huwandu hwevanhu vafa nechirwere ichi pamazana masere nemakumi maviri nevashanu, kana kuti 825.

Vakasarudzwa semutungamiri weAmerica, VaJoe Biden, nemutevedzeri wavo, Amai Kamala Harris, vari kugadzwa zviri pamutemo nhasi kuti vatange kuita basa ravo ravakasarudzirwa.

Mutungamiri weAmerica pari zvino, VaDonald Trump, vanoita hurongwa hwekuonekana nemauto vasati vaenda kumusha kwavo kutsva kuFlorida.

Mapato ezvematongerwo enyika muZimbabwe otaura pamusoro ppamwe nezvinoreva kugadzwa kwaVaBiden naAmai Harris

Muchikamu chedu chatinotarisa zviri kusangana nevana veZimbabwe vari kunze kwenyika, zvimwe zvizvarwa zveZimbabwe zviri muAmerica zvotarisira kuti hurumende yemutungamiri mutsva agadzwa nhasi, VaJoe Biden, ichabata zvizvarwa zvekune dzimwe nyika zviri munyika iyi kana zvinoda kupinda munyika iyi nechiremera zvichienzaniswa nehurumende yemutungamiri wenyika asiya basa, VaDonald Trump.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG