Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Muvhuro, Ndira 18, 2021


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7

Vanhu mazana maviri nevatanhatu kana kuti 206 vofa neCovid-19 munyika mumazuva manomwe adarika mushure mekunge vamwe makumi matatu vashaya nezur

Mumwe mudzimai osiya vana nemurume kuti anobatsira vabereki vainge vabatwa neCovid-19.

Mutauriri weMDC Muzvare Fadzai Mahere vopihwa mukana wekubvisa mari yechibatiso nedare.

Vanhu vochema chema nekukwidzwa kwemari dzemabhazi eZupco kutanga nhasi.

Gadziriro yekutora mhiko kwevakasarudzwa kuva mutungamiri wenyika yeAmerica VaJoe Biden nemusi weChitatu yoenderera mberi

Muchirongwa cheLiveTalk na8pm tiri kutarisa zviri kuitika munyika munguva ino yedambudziko reCovid-19 uye kutambidzana masimba muAmerica mushure mesarudzo dzemutungamiri wenyika.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG