Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chishanu, Ndira 15, 2021


Nhau DzeShona Studio7

Gurukota redunhu reManicaland, Amai Ellen Gwarazimba, vashaya nhasi muHarare, mhuri yavo nevakuru vakuru muZanu PF, vachiti rufu urwu rwunogona kunge rwakazokonzerwa nechirwere cheCovid-19 kunyange hazvo vagara vaine dambudziko reHigh Blood Pressure nechirwere chemoyo.

Vaimbove gurukota rehurumende, VaMorton Malianga, vashayawo zvakare nhasi nechirwere cheCovid 19.

Vanhu makumi mana nevanomwe vakafa nechirwere cheCovid-19 nezuro, izvo zvakasvitsa huwandu hwevanhu vafa nechirwere ichi pamazana matanhatu nemakumi matatu nevatanhatu.

Dunhu reMashonaland West rakarasikirwa nevanhu makumi maviri kuchirwere cheCovid-19 nezuro.

Vakambomiswa basa sameya weHarare, VaJacob Mafume, vanopihwa mukana wekubvisa mari yechibatiso inoita zviuru makumi mana zvemadhora emuZimbabwe.

Mumiriri weZengeza West mudare reNational Assembly, uye vari mutevedzeri wasachigaro weMDC Alliance, VaJob Sikhala, vanyimwa nedare redzimhosva mukana wekubvisa mari yechibatiso.

Zviri kubuda musarudzo yemuUganda zvinoratidza kuti mutungamiri wenyika iyi, VaYoweri Museveni, vari kutungamira zvakanyanya vachiteverwa nevari kuvapikisa, VaRobert Kyagulanyi, avo vanonyanyozivikanwa nerekuti Bobi Wine, avo vatozivisa kare kuti havasi kuzotambira zviri kubuda musarudzo vachiti sarudzo yakabiridzirwa zvemhando yepamusoro.

Muchirongwa cheLiveTalk na8pm tiri kutarisa zviri kuitika munyika munguva ino yedambudziko reCovid-19.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG