Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chitatu, Ndira 13, 2021


Vanhu makumi maviri nevatatu vakafa nechirwere cheCovid-19 nezuro, izvo zvakasvitsa huwandu hwevanhu vafa nechirwere ichi pamazana mashanu nemakumi mashanu nemumwe chete.

Apo nyika yapinda musvondo repiri reNational Lockdown Level 4, vanhu vakawanda havasi kutevedzera zvakatarwa nehurumende senzira yekudzivirira kupararira kweCovid-19 zvisineyi kuti huwandu hwevanhu vari kufa nechirwere ichi huri kuramba huchikwira.

Muzvare Henrietta Rushwaya, avo vari kupomerwa mhosva yekuedza kubuda negoridhe munyika zvisiri pamutemo, vanopihwa mukana wekubvisa mari yechibatiso kuitira kuti vatongwe vachibva kumba kwavo.

Mutori wenhau, Hopewell Chin’ono, pamwe nemumiriri weZengeza West mudare re National Assembly, uye vari mutevedzeri wasachigaro weMDC Alliance, VaJob Sikhala, vasvitsa chikumbiro chekuti vapihwewo mukana wekubvisa mari yechibatiso.

Muchikamu chedu chatinotarisa zviri kusangana nevana veZimbabwe vari kunze kwenyika, tine gweta riri kutsanangura zvinoreva mutemo wakadzikwa neBritain uyo uri kurambidza vanobva kuZimbabwe nenyika dzemuSADC kushanyira nyika iyi senzira yekudzivirira kupararira kweCovid-19.

Muchirongwa cheLiveTalk na8pm tiri kutarisa zviri kusangana nezvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG