Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chipiri, Ndira 12, 2021


Nhau DzeShona Studio7

Vanhu makumi maviri nemumwe chete vakafa nechirwere cheCovid-19 nezuro, izvo zvakasvitsa huwandu hwevanhu vafa nechirwere ichi pamazana mashanu nemakumi maviri nevasere.

Masangano evashandi nevashandirwi anoti zvakakosha kuti vaite hurukuro nehurumende nechimbi chimbi mugungano reTripartite Negotiations kuyedza kuzeya matambudziko avari kusangana navo owedzerwa nedenda reCovid-19.

South Africa inovhara miganhu yayo yose senzira yekudzivirira kupararira kwechirwere che Covid-19, icho chatekeshera pasi rose.

Kanzuru yeHarare inotanga hurongwa hwekuongorora vanhu pachena chirwere cheCovid-19.

Dare redzimhosva rinorasa chikumbiro chemutevezeri wasachigaro weMDC Alliance, uye vari mumiriri weZengeza West muparamende, VaJob Sikhala, chekuti vabviswe muhusungwa.

Dare iri ratiwo richipa mutongo waro panyaya yemutori wenhau, Hopewell Chin’ono, mangwana.

Mutongo panyaya yemutauriri weMDC Alliance, Muzvare Fadzai Mahere, uchipihwa nemusi weChishanu.

Muchirongwa cheThe Connection na8pm tiri kutarisa zviri kusangana nevechidiki munguva ino apo nyika yakavharwa nekuda kwechirwere cheCovid-19.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm .pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG