Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chishanu, Zvita 25, 2020


Misoro yeNhau

Vanhu vapfumbamwe vakafa nechirwere cheCovid-19 nezuro, izvo zvakasvitsa huwandu hwevanhu vafa nechirwere ichi pamazana matatu nemakumi matatu nevapfumbamwe.

Mutori wenhau dzemitambo, Tendai Ndemera, aradzikwa kumarinda eZororo Memorial Park muHarare nhasi masikati.

Zuva rekisimusi rinodarika semamwe mazuva veruzhinji vachiti havana chekubata sezvo vasina mari zvichikonzerwa nekushaya mabasa pamwe nekuoma kwaita hupenyu.

Veruzhinji votumira mashoko kuStudio7 pamusoro pezuva ranhasi.

Vakaremara vochema chema vachiti vanoda kuti hurumende itore matanho sezvo vari kumbunyikidzirwa kodzero dzavo.

Mutungamiri weAmerica, VaDonald Trump, vanoenda kuzororo zvinhu zvisina kumira zvakanaka muhurumende yavo.

Muchirongwa cheLiveTalk na8pm tiri kutarisa zviri kuitwa nezvizvarwa zveZimbabwe panguva ino yezororo rekisimusi.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm .pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG