Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chitau, Zvita 23, 2020


Misoro yeNhau
Misoro yeNhau

Vanhu vana vanofa nechirwere cheCovid-19 izvo zvakasvitsa huwandu hwevanhu vafa pamazana matatu nemakumi maviri nevatanhatu.

Vemabhazi nemakombi vokwidza mari dzekutakura vanhu pamberi pezororo rekisimusi negore idzva.

Zvinhu hazvina kumira zvakanaka pamuganhu weZimbabwe neSouth Africa sezvo motokari nemabhazi zviri kupedza mazuva anosvika mashanu zvinonzi zvakazokonzera kushaya kwemumwe mudzimai ku Beitbridge ari mubhazi achienda kuHarare.

Mutori wenhau dzemitambo, Tendai Ndemera, uyo akashaya neChipiri mangwanani, acharadzikwa muHarare nemusi weChishanu.

Madzimai ekuBinga orarama nekuruka mabhasikiti ayo anozotengesa

Muchirongwa cheLiveTalk na8pm tiri kutarisa zviri kuitwa nezvizvarwavzveZimbabwe zviri kunze kwenyika.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm .pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG