Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chishanu, Zvita 18, 2020


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7

Munhu mumwe chete akafa nechirwere cheCovid-19 nezuro, izvo zvakasvitsa huwandu hwevanhu vafa nechirwere ichi pamazana matatu negumi nevana.

Mutungamiri weAlamlgamated Rural Teachers Union of Zimbabwe, Va Obert Musararure, vanowanikwa nedare rekuMasvingo vasina mhosva yavanga vachipomerwa yekuratidzira zvisiri pamutemo.

Mubatanidzwa hwenhepfenyuro dzemumanharaunda munyika weZimbabwe Association of Community Radio Stations, unoti uri kufara zvikuru kuti hurumende yakapa marezeresi kunhepfenyuro nhatu dzemumanharaunda kana kuti community radios stations kunyange mubatanidzwa uyu uchiti zvaitwa nehurumende izvi zvakafanaa nekuisa donhwe mugungwa.

Mutungamiri we New Patriotic Front, Va Tendayi Munyanduri, vanoti vanovapikisa vari kutaura mashoko anovazvidza vachiti izvi hazvisi kuzovadzorera shure muhurongwa hwavo hwekupinda muvanhu vachitsvaga rutsigiro.

MDC Alliance inoti zviri pachena kuti bato riri kutonga reZanu PF riri kuvhiringa mashandiro emakanzuru ari pasi pebato iri.

Mutambi wenhabvu, Hassani Milanzi, orwira mukombe weAfrica Boxing Union naTony Rashid wekuTanzania.

Studio7 inotarisa zviri kuitika muAmerica mukutambidzana kwemasimba pakati pemutungamiri achangosarudzwa, VaJoe Biden, pamwe nevari kusiya basa semutungamiri weAmerica, VaDonald Trump.

Muchirongwa cheLiveTalk na8pm tiri kutarisa zviri kuitika munyika munyaya dzakasiyana siyana dzinobata veruzhinji.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm .pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG