Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, China, Zvita 17, 2020


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7

Vanhu vatatu vakafa nechirwere cheCovid-19 nezuro, izvo zvakasvitsa huwandu hwevanhu vafa nechirwere ichi pamazana matatu negumi nevatatu.

Vagari vemuHarare vanotambira nemufaro kumbomiswa kuputswa kwedzimba dzinonzi dzakavakwa zviri kunze kwemitemo.

Asi hurumende inoti haisi kuzodzokera shure zvachose padambudziko rekuvakwa kwedzimba munzvimbo dzisingabvumirwe.

Meya weguta reHarare, VaJacob Mafume, vanonyimwa zvakare mukana wekubvisa mari yechibatiso pamhosva yavari kupomerwa.

Bhajeti reguta reBulawayo rinotambirwa uye rine mari yakawedzerwa nezvikamu zvinodarika mazana matatu nemakum I manomwe kubva muzana izvo zvisiri kutambirwa nevagari vakawanda.

Studio7 inotarisa zviri kuitika muAmerica mukutambidzana kwemasimba pakati pemutungamiri achangosarudzwa, VaJoe Biden, pamwe nevari kusiya basa semutungamiri weAmerica, VaDonald Trump.

Muchirongwa cheWomen’s RoundTable na8pm tiri kutarisa zviri kuitwa nevanhukadzi muhupenyu hwavo..

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm .pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG