Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Muvhuro, Zvita, 14, 2020


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7

Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vobatana nevamwe vatungamiri venyika dzemuSADC kuMozambique kunozeya nzira dzekubatsira nyika iyi iyo iri kuriswa nevanopfurikidza mwero veISIS vauraya vanhu vanodarika zvuru zvitatu munyika iyi.

Mutungamiri wenyika yeKenya VaUhuru Kenyatta vakapa magwaro ekugara zviri pamutemo munyika iyi vamwe vanhu vechirudzi rweChiShona kubva kuZimbabwe vakatanga kugara munyika iyi kumakore ekuma1930.

Bazi rezvehutano rinoti huwandu hwevanhu vari kubatwa nechirwere cheCovid-19

munyika huri kuramba huchiwedzera zvakanyanya.

Mutambi weZimbabwe Warriors Tino Kadewere onwisa chibodzwa chakanyaradza chikwata chaNeymar kuFrance.

Munhau dzezvehutano, tiri kuzeya nyaya yenhomba yeCovid-19 iyo yatanga kubayiwa vanhu muAmerica neBritain.

Muchirongwa chedu cheLiveTalk na 8 pm nhasi, tiri kutarisa nezvekuda kupindira kweSADC uhondo yeku Mozambique, nyaya yenhomba yeCovid-19 uye kutambidzanwa masimba mushure mesarudzo muAmerica uko kwounza kusawirirana

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG