Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, China, Zvita, 10, 2020


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7

Munhu mumwe chete ofa nechirwere cheCovid-19 muHarare nezuro apo huwandu hwevanhu vabatwa nechirwere ichi hwadarika zvuru gumi nechimwe kana kuti 11 000.

Muzvare Marry Mubaiwa, Mudzimai wemutevedzeri wemutungamiri wenyika VaConstantino Chiwenga wavari kunetsana naye vomiswazve pamberi pedare kunyangwe vari kuratidza kuti hutano hwavo hauna kumira zvakanaka.

Mutungamiri wenyika yeAmerica VaDonald Trump vabatana nenhengo dzebato ravo remaRepublicans mudunhu reTexas nemamwe matunhu kukwidza kudare nyaya yekuti sarudzo dzemutungamiri wenyika dzisatambirwe mushure mekukundwa kwavo naVaJoe Biden vebato remaDemocrats.

Nhasi tiri kuenderera mberi nekuzeya nhoroondo yaAmbuya Nehanda uye nyaya yechiumbwa chavo.

Dare repamusoro soro muAmerica roramba kutambira chikumbiro chebato remaRepublicans chekuti sarudzo dzeku Pennsylvania dzinzi hadzina kufambiswa zvakanaka.

Nyanzvi dzezvematongerwo enyika dzozeya kunakurirana nyoka mhenyu kwavepo pakati pehurumende nebato reMDC Alliance zvichitevera kuputswa kwedzimba dzinonzi nemakanzuru dzakavakwa zviri kunze kwemutemo.

Muchirongwa chedu cheLiveTalk Womens Round Table chatinotarisa zviri kusangana nemadzimai muhupenyu hwavo na 8 pm nhasi, tiri kutarisa zuva rekodzero dzevanhu kana kuti Human Rights Day riri kucherechedzwa nhasi mushure mekupera kwemazuva gumi nematanhatu ekukurudzira kumiswa kwemhirizhonga mudzimba. Tichatarisawo nezvesarudzo dzemuAmerica umo
mutungamiri wenyika yeAmerica VaDonald Trump vabatana nenhengo dzebato ravo remaRepublicans mudunhu reTexas nemamwe matunhu kukwidza kudare nyaya yekuti sarudzo dzemutungamiri wenyika dzisatambirwe mushure mekukundwa kwavo naVaJoe Biden vebato remaDemocrats.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG