Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chipiri, Zvita, 08, 2020


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7

Vanhu vatatu vofa nechirwere cheCovid-19 munyika nezuro vamwe zana nemakumi maviri vachibatwa nechirwere ichi.

Mamwe makanzura mana eMDC Alliance kuMasvingo odzingwa mukanzuru nebato reMDC-T rinotungamirwa naMuzvare Thokozani Khupe.

Vakaremara vochemawo kuti mari iri mubhajeti regore rinouya rakaturwa negurukota rezvemari Muzvinafundo Mthuli Ncube ishoma zvikuru zvekuti ichavadzosera kumashure zvakanyanya.

Nyanzvi dzezvehupfumi, vemabhizimusi pamwe nevashandi vochemachema kuti mitengo yezvinhu ichakwira zvakanyanya zvichitevera kukwira kwemutengo wedhiziri, asi gurukota rezvemhando dzemoto rinoti kukwira uku kwakakonzerwawo nekukwira kwemitero inoripwa pakupinzwa kwemafuta aya munyika.

VaBiden votarisirwa kudoma retired General Lloyd Austin kuti vave munhu mutema wekutanga kuva gurukota rezvekudzivirirwa kwenyika.

Muchirongwa chedu cheLivetalk na 8 pm nhasi, tiri kutarisa nyaya yekupararira zvakanyanya kwoita chirwere cheCovid-19 munyika, tichatarisawo zvekare nyaya yekuremekedzwa kwekodzero dzevanhu panguva iyo pasi rose rakatarisira kucherechedza zuva reHuman Rights Day, musi wa10 Zvita panoperawo mazuva gumi nematanhatu akatarwa neUnited Nations ekukurudzira vanhu kuti vasaite mhirizhonga mudzimba.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio 7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG