Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Muvhuro, Zvita, 07, 2020


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7

Bazi rezvehutano rakazivisa nezuro kuti vanhu zana nemumwe vakabatwa nechirwere cheCovid-19 uye kubva zvavhurwa mabhodha kutanga kwemwedzi, vanhu makumi mapfumbamwe vabatwa nechirwere ichi vakabva kuSouth Africa.

Mutori wenhau weZBC akashaya nechirwere cheCovid-19 neMugovera, Janet Munyaka oradzikwa nhasi.

Bazi rezvekuburitswa kwemashoko rinoti mari yarakapihwa mubhajeti yegore rinouya negurukota rezvemari VaMthuli Ncube haikwane.

Vanorarama nehutachiona hweHIV/AIDS votaura nezvekusarurwa kwavakaitwa pavakabuda pachena kuti vainge vaine denda iri.

FC Platinum yosangana neSimba Stars mumakwikwi eCAF Champions League.

Muchirongwa chedu cheLivetalk na 8 pm nhasi, tiri kutarisa kupararira kwechirwere cheCovid-19 muZimbabwe nekune dzimwe nyika.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG