Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chitatu, Zvita, 02, 2020


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7

Hurumende yovhara zvikoro zveGoromonzi neWaddilove mushure mekunge vana vatapurirwa chirwere cheCovid 19 icho chabata vanhu vanodarika zvuru gumi munyika.

Vamwe vagari vekuMasvingo voramba kutambira bhajeti rekanzuru yavo vachiti Havana mari dzekubhadhara mitero yakawedzerwa zvakanyanya.

Gweta guru rehurumende muAmerica VaWilliam Barr vanoti hapana humbowo hwekuti sarudzo dzakabirirwa sezviri kutaurwa nemutungamiri wenyika VaDonald Trump.

Muchikamu chedu chatinotarisa zviri kuitwa nevari kunze kwenyika, nhasi tiri kuzeya nyay yekuti zvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika zvakatumira kumusha mari inodarika mamiriyoni mazana manomwe nemakumi matanhatu emadhora ekuAmerica, kana kuti US$760 million, mukati memwedzi gumi yegore rino.

Muchirongwa chedu cheLivetalk Diaspora Forum chatinotaura nezvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika na 8 pm nhasi, tiri kutarisa kupararira kwechirwere cheCovid-19, kuvhurwa kwemabhodha uye kutambidzanwa masimba mushure mesarudzo dzemutungamiri wenyika yeAmerica.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG