Bazi rezvehutano rinoti vanhu vashanu vakafa nechirwere cheCovid-19 nezuro
Mukuru anoona nezvezvirwere zvinotapuriranwa mubazi rezvehutano, Doctor Portia Manangazira, vanoti dambudziko rekukwira kwehuwandu hwevanhu vari kubatwa nechirwere cheCovid-19 kumatunhu ari kuchamhembe kwenyika riri kukonzerwa nekubatana kwenyika neSouth Africa, iyo ine vanhu vakawandisa vabaatwa nedenda iri muAfrica yose.
Bato rinopikisa reMDC Allinace rozeya hwemamiriro akaita hupfumi hwenyika.
Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi, vashandi nevashandirwi vozeya nezvebhajeti regore rinouya riri kuparurwa negurukota rezvemari Muzvinafundo Mthuli Ncune nemusi weChina.
Mutungamiri wenyika yeAmerica VaDonald Trump votenda kuti paite kutambidzanwa masimba mumapazi ehurumende nevakakunda musarudzo VaJoe Biden kunyangwe vachiri havo kugunun’una
Muchirongwa chevechidiki cheThe Connnection na8pm tiri kutarisa zviri kuitika munyika munyaya dzeCovid-19 pamwe nezviri kuitika pakutambidzanwa masimba muAmerica
Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.
Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.
Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave.
Facebook Forum