Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chishanu, Mbudzi 20, 2020


Nhau DzeShona Studio7

Vanhu vana vanofa nechirwere cheCovid-19, ukuwo vanhu makumi matanhatu nevashanu vakabatwa nechirwere ichi nezuro, vose vari vanhu vagara vari munyika.

Mutori wenhau, Hopewell Chin’ono, anopihwa mukana wekutongwa achibva kumba kwake nedare repamusoro panguva iyo sangano reAfrican Commission on Human and People’s Rights ranyorera mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, richigunun’una nekusungwa kwaChin’ono

Broadcasting Authority of Zimbabwe inopa marezenisi matanhatu kumakambani akarerekera kuZanu PF.

Vagari vekuMasvingo vochema chema nekushaikwa kwemagetsi muguta iri.

Zvinhu zvoramba zvakaita manyama amire nerongo muAmerica zvichitevera kutsika madziro kuri kuita mutungamiri wenyika iyi, VaDonald Trump, avo vari kuramba kutambira kuti VaJoe Biden ndivo vakakunda musarudzo yemutungamiri wenyika.

Vanorwira kodzero dzevanhu voshoripodza mitemo yeBotswana yekuuraya vanhu vanoonekwa vari munzvimbo dzinochengeterwa mhuka dzesangano munguva isingabvumidzwe

Muchirongwa cheLiveTalk na8pm tiri kutarisa zviri kuitika munyika.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm .pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG