Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, China, Mbudzi 19, 2020


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7

Munhu mumwe chete anofa nechirwere cheCovid-19, ukuwo vanhu makumi matatu nevatanhatu vakabatwa nechirwere ichi nezuro, vose vari vanhu vagara vari munyika.

Bazi rezvemari rinoti riri kutarisira kuti hupfumi hwenyika huchakwira nezvikamu zvinodarika zvinomwe kubva muzana, uye richapa mari yakawanda kumapazi ehutano nedzidzo mubhajeti regore rinouya,

Zimbabwe yosvitsa makore matatu iri pasi paVaEmmerson Mnangagwa, mushure mekubviswa nemauto zveganyabvu kwakaitwa vaimbove mutungamiri wenyika, muchakabvu VaRobert Mugabe.

Dunhu reMashonaland West rotarisirwa kuva nedare repamusoro richange richinzwa nyaya dzemudunhu iri kutanga gore rinouya.

Kanzuru yeguta reHarare yoburitsa bhajeti rayo regore rinouya

Zvinhu zvoramba zvakaita manyama amire nerongo muAmerica zvichitevera kutsika madziro kuri kuita mutungamiri wenyika iyi, VaDonald Trump, avo vari kuramba kutambira kuti VaJoe Biden ndivo vakakunda musarudzo yemutungamiri wenyika.

Vanorwira kodzero dzevanhu voshoropodza mitemo yeBotswana yekuuraya vanhu vanoonekwa vari munzvimbo dzinochengeterwa mhuka dzesangano munguva dzisingabvumidzwe

Muchirongwa cheWomen’s RoundTable na8pm tiri kutarisazviri kuitika munyika munyaya dzeCovid-19 pamwe nezviri kuitika musarudzo dzemuAmerica

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm .pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG