Nyanzvi munyaya dzehutano dzotaura pamusoro pekukwira kuri kuita huwandu hwevanhu vari kubatwa nechirwere cheCovid-19.
Nyanzvi munyaya dzehupfumi dzozeya hwaro hwehuruimende hwakanangana nekusimudzira hupfumni hwenyika pasi pechirongwa che National Development Strategy.
America inoti huwandu hwevadzidzi vemuZimbabwe vari kunoita zvidzidzo zvavo kuAmerica munongedzo wakanaka wekudyidzana zvakanaka munyaya yedzidzo uripo pakati peZimbabwe neAmerica.
Studio7 inotarisa zvakadzama zviri kuitika muAmerica takatarisa kutambidzanwa kwemasimba kunoitika mushure mesarudzo.
Vatsigiri vemutambo wenhabvu votaura nemufaro pamusoro pechikwata chavo chema Warriors icho chakaita mangange neAlgeria nezuro
Muchirongwa cheThe Connection na8pm tiri kutarisazviri kuitwa nevechidiki
Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.
Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.
Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave.
Facebook Forum