Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Muvhuro, Mbudzi ,16 , 2020


Misoro yeNhau
Misoro yeNhau

Bazi rinoona nezvehutano rinoti vanhu makumi mana nevatatu vakabatwa nechirwere cheCovid-19 nezuro uye vose havana nhoroondo yekushanya kunze kwenyika. muAmerica vanhu miriyoni imwe chete vabatwa nechirwere ichi muvhiki rimwe chete.

Bazi rinoona nezvekupinda nekubuda kwevanhu rinoti rakagadzirira kuvhura mabhodha asi harina michina yekuvheneka mapepa enhema.

Bato reMDC rochenura sachigaro waro wemadzimia kuBulawayi Amai Tendai Masotcha pakupambwa kwaVaTawanda Muchehiwa nevanopfungidzirwa kuti vasori.

Hurumende yoita musangano wakakosha zvikuru nevashandi vayo vari kuramwa mabasa nenyaya dzemari yemihoro.

Mutungamiri wenyika yeAmerica VaDonald Trump nezuro vanenge vakatenda kekutanga kuti mutungamiri webato remaDemocrats VaJoe Biden ndivo vakakunda musarudzo dzemusi wa 3 Mbudzi kunyangwe havo vari kuti havasi kutambira zvakabuda musarudzo idzi.

Zimbabwe yotamba neAlgeria mumutambo wakakosha zvikuru weAFCON muHarare nhasi.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG