Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chishanu, Mbudzi 13, 2020


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7

Vanhu makumi maviri nevapfumbamwe vakabatwa nechirwere cheCovid-19 nezuro, vose vari vanhu vagara vari munyika, kunze kwemumwe chete akabva kubva kuBurundi.

Vamiriri vevashandi vehurumende vanosangana nevamiriri vehurumende pamusangano weNational Joint Negotiating Council wakakosha wekuzeya nyaya dzemihoro panguva iyo vashandi vari kuramba mari yakanga yaiswa patafura nehurumende.

Muzvare Henrietta Rushwaya nevamwe vavo vavakasungwa navo panyaya yegoridhe, vanonyimwa mukana wekubvisa mari yechibatiso.

Mutevedzeri wemutungamiri wenyika, VaConstantino Chiwengwa, vanoparura hurongwa hwekungwara chirwere cheCovid-19.

Dare redzimhosva rinonzwa husiku nyaya yekuchera goridhe zvisiri pamutemo yakatarisana nemumiriri weChegutu West muNational Assembly, VaDexter Nduna, sachigaro wevechidiki muZanu PF mudunhu reMashonaland West, VaVengai Musengi.

Muchirongwa cheLiveTalk na8pm tiri kutarisa zviri kuitika musarudzo dzemuAmerica umo mune mudzimai.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG