Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chitatu, Mbudzi 11, 2020


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7

Munhu mumwe chete akafa nechirwere cheCovid-19 nezuro, uye vanhu makumi mana nevapfumbamwe vakabatwa nechirwere ichinezuro wekare.

Mutori wenhau ane mukurumbira munyika, Hopewell Chin’ono, otarisira mutongo pachikumbiro chekuti apihwe mukana wekubvisa mari yechibatiso pamhosva yaari kupomerwa kuitira kuti atongwe achibva kumba kwake.

Hurumende inowedzera mari yevashandi vayo asi vashandi vachiramba kutambira mari iyi vachiti ishoma.

Hurumende yoshushikana nehuwandu hwezvinhu zvakabhanwa zviri kupinda munyika zvisiri pamutemo.

Botswana yoshushikana nehuwandu hwevanhu vanobva kuZimbabwe vari kurwara nepfungwa nenyika iyi.

Hurongwa hwekutambidzana masimba pakati pehurumende yeAmerica nechikwata chevakasarudzwa kuva mutungamiri mutsva wenyika, VaJoe Biden, hwovhiringwa nematanho aVaDonald Trump ekupikisa zvakabuda musarudzo.

Muchirongwa cheLiveTalk na8pm tiri kutarisa zviri kuitwa nezvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG