Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chipiri, Mbudzi 10, 2020


Nhau DzeShona Studio7

Munhu mumwe chete akafa nechirwere cheCovid-19 nezuro, izvo zvakasvitsa huwandu hwevanhu vafa nechirwere ichi munyika pamazana maviri nemakumi mashanu nevana.

Mutori wenhau ane mukurumbira munyika, Hopewell Chin’ono, otanga kutongwa musi wa 7 kusvika 9 Zvita pamhosva yaari kupomerwa yekukurudzira kuti vanhu vaite zvemhirizhonga.

Vagari vekuMasvingo vopengera kanzuru yavo iyo iri kuronga kukwidza mitero nezvikamu mazana masere kubva muzana mubhajeti rayo regore rinouya.

Vanorwira kodzero dzevanhu vanoti bazi rezvehutano rinofanirwa kupihwa mari yakawanda kudarika mamwe mapazi ehurumende sezvo nyaya dzehutano dzakakosha kuitira kuti nyika ibidirire.

America yozeya zvinhu zvinobva kuZimbabwe zvanga zvisingabhadhariswe mitero zvichitevera mashoko ekuti nyika iyi haisi kufara nemabatirwo ari kuitwa kodzero dzevashandi vemuZimbabwe.

Hurongwa hwekutambidzana masimba pakati pehurumende yeAmerica nechikwata chevakasarudzwa kuva mutungamiri mutsva wenyika, VaJoe Biden, hwovhiringwa nematanho aVaDonald Trump ekupikisa zvakabuda musarudzo.

Muchirongwa cheThe Connection na8pm tiri kutarisazviri kuitwa nevechidiki

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG