Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, China, Mbudzi 05, 2020


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7

Vanhu vaviri vakafa nechirwere cheCovid-19 nezuro, izvo zvakasvitsa huwandu hwevanhu vafa nechirwere ichi munyika pamazana maviri nemakumi mana nevasere.

Hurumende inodaidza chikwata chekutanga chevakoti pachipatara cheUBH kuBulawayo kuti chimire pamberi pepadare rakaumba kuti rivatonge vachipomerwa mhosva yekutyora mutemo wemashandiro evashandi kana kuti Labour (National Employment Code of Conduct) Regulations, Statutory Instrument 15 of 2006.

Mutori wenhau ane mukurumbira munyika, Hopewell Chin’ono, uyo akasungwa nemusi weChipiri, otarisirwa kumiswa nhasi pamberi pedare redzimhosva achipomerwa mhosva itsva yekuzvidza matare edzimhosva.

Magweta ari kumirira Muzvare Henrietta Rushwaya nevamwe vavo vana, anoenderera mberi nekubvunzurudza mupurisa ari kuferefeta nyaya yekuda kuburitsa goridhe munyika zviri kunze kwemutemo.

Sarudzo dzemuAmerica dzichiri kuverengwa mumiriri weDemocratic Party musarudzo yemutungamiri wenyika iyi, vachiri kutungamira muzvigaro zve electoral college zvavawana kusvika pari zvino zvichienzaniswa nezvigaro zvawanikwa nemumiriri weRepublic Party, uye vari mutungamiri weAmerica, VaDonald Trump.

Mutambi wemuZimbabwe ane mukurumbira mhiri kwemakungwa, Jordan Zemura, uyo anotambira Bournemouth muEnglish Championship, ari kutarisira kusimudza mureza weZimbabwe apo ari kutambira Zimbabwe kekutanga

Muchirongwa cheLiveTalk na8pm tiri kutarisa zviri kuitika munyaya dzesarudzo muAmerica

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG