Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chitatu, Mbudzi 04, 2020


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7

Munhu mumwe chete akafa nechirwere cheCovid-19 nezuro, izvo zvakasvitsa huwandu hwevanhu vafa nechirwere ichi munyika pamazana maviri nemakumi mana nevatanhatu.

Mutungamiri wesangano ravakoti reZimbabwe Nurses Association, VaEnoch Dongo, vanoti hachisi chokwadi chiri kutaurwa nehurumende kuti vakoti havasi kuda kushanda asi kuti izano rayaruka rekuda kuvandudza mashandiro avo.

Mutori wenhau ane mukurumbira munyika, Hopewell Chin’ono, uyo akasungwa zvakare nezuro otarisirwa kumiswa pamberi pedare mangwana mushure mekupomerwa imwe mhosva itsva.

Magweta ari kumirira Muzvare Henrietta Rushwaya nevamwe vavo vana, anoenderera mberi nekubvunzurudza mupurisa ari kuferefeta nyaya yekunzi vasungwa ava vaida kuburitsa goridhe munyika zviri kunze kwemutemo.

Sarudzo dzemuAmerica dzichiri kuverengwa mumiriri weDemocratic Party musarudzo yemutungamiri wenyika iyi, vachiri kutungamira muzvigaro zve electoral college zvavawana zvichienzaniswa nezvigaro zvawanikwa pari zvino nemumiriri weRepublic Party, uye vari mutungamiri weAmerica, VaDonald Trump.

Nyanzvi munyaya dzematongerwo enyika dzozeya zviri kuitika musarudzo dzemuAmerica.

Bazi rezvehutano rochema chema nemari shoma yariri kutarisira kupihwa mubhajeti regore rinouya

Kambani yeUnited Refineries inovhara mabasa ayo nepamusana pedambudziko remvura rakatarisana neguta reBulawayo

Mutambi wemuZimbabwe ane mukurumbira mhiri kwemakungwa, Jordan Zemura, uyo anotambira Bournemouth muEnglish Championship, ari kutarisira kusimudza mureza weZimbabwe apo ari kutambira Zimbabwe kekutanga

Muchirongwa cheLiveTalk na8pm tiri kutarisa zviri kuitika munyaya dzesarudzo muAmerica

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG