Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chipiri, Mbudzi 03, 2020


Misoro yeNhau
Misoro yeNhau

Vanhu vaviri vakafa nechirwere cheCovid-19 nezuro, izvo zvakasvitsa huwandu hwevanhu vafa nechirwere ichi munyika pamazana maviri nemakumi mana nevashanu.

Hurumende inoita nhaurirano dzemihoro nevashandi vayo pasi peNational Joint Negotiating Council, hurumende ichiti yakazvipira kugadzirisa matambudziko evashandi vayo.

Mamiriyoni nemamiriyoni evanhu ari kuvhota musarudzo dzemuAmerica dzemutungamiri wenyika, pamwe nedzenhengo dzeparamende - asi maziso evakawanda akatarisira zvichabuta pakati pemumiriri weRepublican Party musarudzo yemutungamiri wenyika, VaDonald Trump pamwe nemumiriri weDemocratic Party musarudzo iyi, VaJoe Biden.

Zvizvarwa zveZimbabwe zviri muAmerica zvinovhotawo musarudzo dziri kuitwa munyika iyi.

Nyanzvi munyaya dzematongerwo enyika dzinoti hadzioni chinochinja pakudyidzana kweZimbabwe neAmerica mushure mesarudzo dziri kuitika muAmerica.

Dare redzimhosva rinoramba kuti mumiriri weHarare West, Muzvare Joana Mamombe, vaongororwe zvakare nachiremba wechitatu sezvanga zvichidiwa nehurumende.

Mapurisa anoti ari kuferefeta kambani yeFidelity Printers and Refineries kuti seyi Muzvare Henrietta Rushwaya vakakwanisa kuwana goridhe rakacheneswa iro vaida kubuda naro munyika zvisiri pamutemo.

Kambani yeUnited Refineries inomisa mabasa ayo nepamusana pedambudziko remvura muguta reBulawayo

Muchirongwa cheLiveTalk na8pm tiri kutarisa zviri kuitika munyaya dzesarudzo muAmerica

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG