Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chitatu, Nyamavhuvhu 26, 2020


Misoro yeNhau
Misoro yeNhau

Hurumende yakazivisa nezuro manheru kuti vanhu vafa nechirwere cheCovid-19 hwakakwira kusvika pazana nemakumi matanhatu nevatanhatu zvichitevera kufa kwevanhu gumi nemumwe chete nezuro wakare.

Murwiri wekodzero dzevanhu, uye vari munin’ina wemurwiri wekodzero dzevanhu akapambwa akatsakatika makore mashanu apfuura, Va Itai Dzamara, VaPatson Dzamara, vashaya mushure mekurwara nechirwere chegomarara.

Mutumbi wenhengo yeMDC Alliance yakawanikwa yakafa kuMashonaland West, VaLavender Chiwaya, unovigwa pasina gwaro rinoratidza kuti vakafa neyi kunyange hazvo pakaitwa post mortem yemutumbi uyu kuHarare.

Dare redzimhosva rinozara nevanhu vanosanganisira mutungamiri weMDC Alliance, VaNelson Chamisa, vakamirira kunzwa mutongo uchapihwa kumutevedzeri wasachigaro weMDC Alliance, VaJob Sikhala.

Zvizvarwa zveZimbabwe zvotaura pamusoro pezviri kuitika kumusangano mukuru weRepublican National Convention

Muchirongwa cheLiveTalk na8pm tiri kutarisa zviri kumusangano weRepublican National Convention, kushaya kwaVaPatson Dzamara, pamwe nezviri kuitika munyaya dzekurwisa Covid-19.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG