Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chipiri, Nyamavhuvhu 25, 2020


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7

Hurumende yakazivisa nezuro manheru kuti vanhu vafa nechirwere cheCovid-19 hwakakwira kusvika pazana nemakumi mashanu nevashanu.

Hurumende nhasi yapikisa chikumbiro chemutevedzeri wasachigaro weMDC Alliance uye, VaJob Sikhala, chekuti irase nyaya yavari kupomerwa yekukurudzira kuti munyika muratidzirwe zvine mhirizhonga mukati.

Kutongwa kwemhosva yaVaGodfrey Kurauone veMDC Alliance pamwe na VaEphraim Mtombeni yekunyomba mutungamiriri wenyika, nhasi kwatadza kutanga sezvo vachuchusi vakumbira mutongi kuti ambomira kwemwedzi nekuti havasati vapihwa mvumo nehofisi yemukuru wevachuchisi munyika kuti nyayaya iyi itange kutongwa ,

Munyori mukuru webato reMDC-T, VaDouglas Mwonzora, vanoti kunyange hazvo nguva yakatarwa neSupreme Court kuti bato ravo ringe raita musangano weExtra Ordinary Congress yakadarika, ivo vari kushanda zviri pamutemo sezvo dare rakadzosa hutungamiri hwakasarudzwa muna 2014, vachiti Extra Ordinary Congress ndeye kusarudza anofanobata chigaro chemutungamiri webato chete, kwete vamwe vose

Chipangamazano chemutungamiri wenyika, VaShingi Muyeza, vanotadziswa kuita musangano wavo nevanhu vanofungidzirwa kuti vatsigiri veZanu PF pamwe nevasori.

Nyanzvi munyaya dzehupfumi dzozeya mairiro akaita zvinhu munyaya dzehupfumi panguva iyo zvinhu zvisina kugadzikna muZimbabwe.

Muchirongwa cheThe Connection na8pm tiri kutarisazviri kusangana nevechidiki panguva iyo nyika iri kurwisa Covid-19 ukuwo kodzero dzevanhu dzichityorwa.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG