Bazi rezvehutano rakazivisa nezuro kuti huwandu hwevanhu vabatwa nechirwere cheCovid-19 munyika hwasvika pazviuru zvishanu zvine mazana manomwe nemakumi mana nevashanu, kana kuti 5,745, vapona vari zviuru zvina zvine mazana mashanu nemakumi maviri nevashanu, kana kuti 4,525. Vanhu vafa vasvika pazana nemakumi mashanu nemumwe, kana kuti 151.
MDC Alliance inozivisa kuti mutevedzeri wasachigaro webato iri uye vari mumiriri weZengeza West, VaJob Sikhala, vasungwa nemapurisa.
Dare redzimhosva rinoramba kupa VaJacob Ngarivhume mukana wekubvisa mari yechibatiso zvichitevera chikumbiro chavakasvitsa mudare ramejasitireti vachiti pane zvinhu zvashanduka kubva pavakasungwa.
Nhengo yeMDC Alliance kuMashonaland West, VaLavender Chiwaya, vanowanikwa vakafa mushure mekupambwa.
Vari kumirira bato reDemocratic Party musarudzo yemutungamiri weAmerica, VaJoe Biden, vakatambira nezuro manheru kusarudzwa kwavo zviri pamutemo vachiti sarudzo yemuna Mbudzi haisi yekuhwina mavhoti chete, asi kuti ine chinangwa chikuhwina mwoyo yevanhu pamwe nehunhu hweAmerica.
Sangano renhabvu munyika, reZimbabwe Football Association, ronetsekana nenyaya yekutanga nhabvu munyika panguva iyo huwandu hwevanhu vari kubatwa neCovid-19, huri kukwira.
Muchirongwa cheLiveTalk na8pm tiri kutarisa matambudziko akatarisana nenyika.
Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…
Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.
Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave.
Facebook Forum