Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, China, Nyamavhuvhu 20, 2020


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7

Bazi rezvehutano rinoti huwandu hwevanhu vafa nechirwere cheCovid-19 munyika hwakwira nezuro kusvika pazana nemakumi mashanu, kana kuti 150, zvichitevera kufa kwevanhu vapfumbamwe nezuro wakare.

Vekumajeri vanopa hufakazi pachikumbiro chaHopewell Chin’ono chekuti apihwe mukana wekutongwa achibva kumba kwake. Chin’ono asvika padare aine ngetani dzemumakumbo pamwe nedzemumaoko.

Mutungamiri weTransform Zimbabwe, VaJacob Ngarivhume, vamiswa mudare vaine ngetani vekumajeri vachiti vatadza kudzibvisa, ukuwo makanzura eMDC Alliance anyimwa mukana wekubvisa mari yechibatiso kuitira kuti atongwe achibva kumba kwawo.

Nyanzvi munyaya dzekodzero dzevanhu dzozeya kutyorwa kuri kuitwa kodzero dzevanhu munyika panguva iyo hurumende iri kuti munyika hamuna dambudziko.

Nyanzvi munyaya dzematongerwo enyika dzozeya kubviswa pachigaro kwakaitwa mutungamiri weMali nemauto nezuro izvo zviri kushorwa nenyika dzepasi rose.

Mutevedzeri wemutungamiri wenyika, VaKembo Mohadi, vanotadza kuenda kuGweru kunovhura zviri pamutemo bazi richange richirapirwa varwere veCovid-19 paGweru Provincial Hospital. Hapana chikonzero chati chapihwa.

Muchirongwa cheWomen’s RoundTable na8pm tiri kutarisa zviri kuitika munyika zvinobata vanhukadzi.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG