Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chitatu, Nyamavhuvhu 19, 2020


Nhau DzeShona Studio7

Huwandu hwevanhu vafa neCovid-19 munyika hwakasvika nezuro pazana nemakumi mana nemumwe chete zvitevera kushaya kwevanhu vatanhatu nezuro wakare.

Masangano evarairidzi anobatana nevabereki mukushora hurongwa hwehurumende hwekuti bvunzo dzegore rino dzinyorwe muna Mbudzi naZvita zvisineyi kuti nyika iri parumananzombe nechirwere cheCovid-19

Sangano reZimbabwe Human Rights Commission rokurudzira hurumende kuti ione kuti kodzero dzevanhu dzaremekedza munyika uye kuti ionekwe ichikurudzira kuremekedzwa kwekodzero dzevanhu.

Vamwe vevanhu vakarwira rusununguko vari kudivi reZipra vanoti hurumende hazvina musoro kuti hurumende inobuda pachena ichiti munyika hamuna matambudziko ivo vanhu vachigara vakatyorerwa kodzero dzavo mazuva ose.

Vagari vekwaGutu voyaura nenzara sezvo vasiri kuwana rubatsiro rwechikafu munguva ino yedambudziko reCovid-19

Muchikamu chedu chatinotarisa zviri kusangana nevana veZimbabwe vari kunze kwenyika, nhasi tiri kutarisa kudomwa kwevaive mutewedzeri wemutungamiri wenyika muAmerica, VaJoe Biden, semunhu achamirira bato reDemocratic Party musarudzo yemutungamiri wenyika ichaitwa muna Mbudzi gore rino. VaBiden vachange vachikwikwidzana nemutungamiri weAmerica, VaDonald Trump, avo vachange vakamirira bato reRepublican Party.

Muchirongwa cheLiveTalk na8pm tiri kutarisa zviri kuitwa nezvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:30 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG