Bazi rezvehutano rakazivisa nezuro kuti huwandu hwevanhu vafa nechirwere cheCovid-19 munyika hwakakwira kusvika pazana nevana, kana kuti 104.
Zimbabwe inocherechedza zuva remauto, kana kuti Defence Forces Day, panguva iyo mutungamiriri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vari kuti nyika iri kurwiswa nevavengi pachishandiswa zvirango zvehupfumi pamwe nemadandemutande eSocial Media
Vamwe vanoti zororo reDefence Forces Day harina zvarinoreva sezvo mauto ari kupomerwa mhosva yekutyora kodzero dzevanhu.
Imwe nhengo yeparamende yeBotswana inoti Botswana inofanirwa kumira nezvizvarwa zveZimbabwe zviri kutambura pamwe nekutyorerwa kodzero dzazvo muZimbabwe
Nyanzvi munyaya dzehupfumi dzozeya mamiriro akaita zvinhu munyika panguva iyo hupfumi hwenyika hwananga kumawere.
Muchirongwa cheThe Connection na8pm tiri kutarisa zviri kuitwa nevechidiki munyika
Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…
Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.
Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave.
Facebook Forum