Bazi rezvehutano rakazivisa nezuro kuti huwandu hwevanhu vafa nechirwere cheCovid-19 munyika hwakakwira kusvika pamakumi masere nevana uye vakabatwa nechirwere ichi vadarika zviuru zvina nemazana matatu nemakumi matatu nevapfumbamwe, kana kuti 4,339.
Hurumende inoramba kuti munyika mune vanhu vari kupambwa pamwe nekutyorerwa kodzero dzavo, ichiti aya manyepo ari kumwayiwa nevanopikisa vachishanda nemasangano akazvimirira mukusvibisa chimiro cheZimbabwe.
Asi masangano akazvimirira nemapato anopikisa anoti pane humbowo hwakawandisa hunoratidza kuti hurumende iri kutyora kodzero dzevanhu.
Mutungamiriri weBotswana, VaMokgweetsi Masisi, avo vari kutarisirwa kutora mwedzi uno husachigaro hwebazi reSADC Troika rinoona nezvekudzivirirwa nekugadzikana kwedunhu, vanoti nyaya yekutyorwa kwekodzero dzevanhu muZimbabwe yakora muto naizvizvo yava kuda kuti sachigaro weSADC mutsva, VaFilipe Nyusi veMozambique, vapindire.
Mutori wenhau ane mukurumbira munyika, Hopewell Chin’ono, anonyimwa mukana wekubvisa mari yechibatiso nedare repamusoro.
Nyanzvi dzezvematongerwo enyika dzotatsurana pamusoro pedanho rakatorwa neAmerica nezuro, rekutemera zvirango muzvinabhizimusi ane mukurumbira munyika, VaKudakwashe Tagwirei pamwe nekambani yavo yeSakunda Holdings, vachipomerwa mhosva yekutsigira hurumende yaVaEmmerson Mnangagwa, iyo iri kupomerwa mhosva yekuita zvehuwori.
Muchirongwa cheWomen’s RoundTable na8pm tiri kutarisa zviri kuitwa nevanhukadzi munyika
Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…
Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.
Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave.
Facebook Forum