Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chitatu, Nyamavhuvhu 05, 2020


Nhau DzeShona Studio7

Hurumende inozivisa zvipatara zvose zvemunyika kuti zvitambire vanhu vose kusanganisira vanenge vachifungidzirwa kuti vane Covid-19, uye inoti zvipatara zvinotyora mutemo uyu zvicharangwa zvakaomarara

Bazi rezvehutano rakazivisa nezuro kuti huwandu hwevanhu vafa nechirwere cheCovid-19 munyika hwakakwira kusvika pamakumi masere nemumwe chete.

Muzinda weZimbabwe uri muSouth Africa unopiwa mvumo yekudzosa mitumbi yezvizvarwa zveZimbabwe zvinenge zvashaira munyika iyi munguva ino yeCovid-19, uye vanenge vashaya vasina magwaro ekufambisa vave kukwanisa kushandisa tsamba dzinobva kumadzishe nemasabhuku ekumatunhu kwavanobva.

Nyanzvi munyaya dzemitemo nezvematongerwo enyika dzopesana pakugadzwa kwemutevedzeri wemutungamiri wenyika, VaConstantino Chiwenga, segurukota rezvehiutano, vamwe vachiti hazvisi pamutemo vamwe vachiti zviri pamutemo

Muchirongwa cheLiveTalk na8pm tiri kutarisa zviri kuitwa nezvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG