Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chipiri, Nyamavhuvhu 04, 2020


Nhau DzeShona Studio7

Bazi rezvehutano rinoti huwandu hwevanhu vafa nechirwere cheCovid-19 munyika hwakwira nezuro kusvika pamakumi masere, kana kuti 80, uye vanhu vabatwa nechirwere ichi vadarika zviuru zvina nemakumi manomwe nevashanu, kana kuti 4,075.

Mapato anopikisa pamwe nemasangano akazvimirira oshushikana nemashoko emutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, avo vafananidza masangano aya semagandanga anoita zvakapfurikidza mwero, kana kuti terrorists organizations.

Masangano akawanda ekunze kwenyika oshoropodza kunyarara kuri kuita masangano eSADC pamwe neAfrican Union pane zviri kuitika muZimbabwe umo anoti muri kutyorwa kodzero dzevanhu zvakanyanyisa.

Muzukuru wemupepeti weZimLive, Mduduzi Mathuthu, VaTawanda Muchehiwa, vanomiswa pamberi pematare edzimhosva muBulawayo.

Nyanzvi munyaya dzehupfumi dzozeya zvinoreva kuvhurwa kwemusika weZimbabwe Stock Exchange uye zvazvingaite kuhupfumi hwenyika

Muchirongwa cheThe Connection na8pm tiri kutarisa zviri kuitwa nevechidiki munyika.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG