Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chishanu, Chikunguru 31, 2020


Nhau DzeShona Studio7

Mumwe wemauto akabatira kubvisa VaRobert Mugabe pachigaro chemutungamiri wenyika, VaPerence Shiri, varadzikwa nhasi mupanzvimbo inovigwa magamba yeNational Heroes Acre muHarare mutungamiriri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vachikurudzira vana chiremba nevakoti kuisa zvido zvenyika pamberi nekudzokera kubasa kuitira kuti vabatsire kudzvirira kuparara kwechirwere cheCovid 19 icho chauraya vanhu vakawanda munyika, kusanganisira VaShiri avo vakashaya nemusi weChitatu.

Bazi rezvehutano rinoti huwandu hwevanhu vafa nechirwere cheCovid-19 munyika hwakwira nezuro kusvika pamakumi mashanu nevatatu, kana kuti 53, uye vabatwa nechirwere ichi vadarika zviuru zvitatu nemakumi mapfumbamwe nevaviri.

Vanhu vakawanda vanorohwa nemasoja pamwe nekunosungwa nemapurisa munzvimbo dzakawanda munyika muzuva ranga rakarongwa ne July 31stMovement kuti vanhu varatidzire vari munzvimbo dzavanogara.

Mupepeti weZimLive, Mduduzi Mathuthu, anopihwa mukana wekusabvisa mari yechibatiso kuitira kuti atongwe achibva kumba kwake pamhosva yekukurudzira mhirizhonga yaari kupomerwa.

Madzimai matatu eMDC Alliance, Muzvare Joana Mamombe, Muzvare Netsai Marova naMuzvare Cecilia Chimbiri anosungwa pamwe chete negweta ravo, VaObey Shava, apo vanga vari munzira kuenda kunozvipirira kumapurisa sezvakatarwa nedare redzimhosva.

Muchirongwa cheLiveTalk na8pm tiri kutarisa zviri kuitika munyika.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG