Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, China, Chikunguru 30, 2020


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7

Bazi rezvehutano rinoti huwandu hwevanhu vafa nechirwere cheCovid-19 munyika hwakwira nezuro kusvika pamakumi mana nemumwe, kana kuti 41 zvichitevera kufa kwemumuwe munhu mumwe chete kuManicaland nezuro.

Chikumbiro chemutori wenhau, Hopewell Chin’ono, pamwe nemutungamiri weTransform Zimbabwe, VaJacob Ngarivhume, chekuti vapihwe mukana wekubvisa mari yechibatiso kuitira kuti atongwe achibva kudzimba dzavo, chatadza kunzwikwa nhasi.

Mapurisa nemasoja anoenderera mberi achirambidza vanhu kupinda mukati memaguta ose ari munyika.

Nyanzvi munyaya dzematongerwo enyika dzozeya pamusoro pekushaya kwaVaPerence Shiri, mumwe wevemuchiuto vakabatsira kubvisa muchakabvu Robert Mugabe pachigaro, uye vari munhu akatungamira mauto eFirth Bridage mukupondwa kwakaitwa vanhu kuMatabeleland neMidlands

Muchirongwa cheWomen’s RoundTable na8pm tiri kutarisa zviri kusangana nevanhukadzi munguva ino yekuvharwa kwenyika.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG