Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chitatu, Chikunguru 29, 2020


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7

Gurukota rezvekurima, VaPerence Shiri, vashaya. Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, varumbidza VaShiri segamba rechokwadi rekarwira rusununguko rwenyika.

Bazi rezvehutano rakazivisa nezuro manheru kuti huwandu hwevanhu vabatwa neCovid-19 munyika hwakakwira kusvika pazviuru zviviri nemazana masere ane gumi nevanomwe, kana kuti 2 817, vafa vari makumi mana. Asi huwandu uhu hunogona kukwira nhasi manheru.

Chikumbiro chemutori wenhau, Hopewell Chin’ono, chekuti apihwe mukana wekubvisa mari yechibatiso kuitira kuti atongwe achibva kumba, chonzwikwa mangwana.

MDC Alliance inokurudzira SADC, zvikuru sachigaro wayo, South Africa, kuti ipindire sezvo kutyorwa kwekodzero dzevanhu kuri kuramba kuchiipa muZimbabwe

Vamwe varimi vachena vakatorerwa mapurazi avo vanyorerana chibvumirano nehurumende chemari inoita mabhiriyoni matatu nemazana mashanu ezviuru zvemadhora emaRTGS semari yekuripwa mapurazi avo akatorwa nehurumende munguva yaVaRobert Mugabe.

Vanopikisa hurumende vari kunze kwenyika voronga kuratidzira musi wa 31 Chikunguru kumizinda yeZimbabwe munyika dzavagere. Asi hurongwa uhu huri kushoropodzwa zvikuru nenhengo dzeZanu PF dziri kunze kwenyika idzo dziri kuvapomera mhosva yekuda kupidigura hurumende.

Muchirongwa cheLiveTalk na8pm tiri kutarisa mamiriro akaita zvinhu munyika dziri kugara zvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG