Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chipiri, Chikunguru 28, 2020


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7

Bazi rezvehutano rakazivisa nezuro kuti huwandu hwevanhu vabatwa neCovid-19 munyika hwakakwira kusvika pazviuru zviviri nemazana manomwe nevana, kana kuti 2 704, vafa vari makumi matatu nevatanhatu.

Mahofisi ekanzuru yeHarare, makambani pamwe nemasangano akazvimirira, anovharwa zvichitevera kunetsa kuri kuita chirwere cheCovid-19 munyika yose nepasi rose.

Hurumende inokundikana kuburitsa mari inoita mabhiriyoni gumi nemasere emadhora emunyika semari yayakange yavimbiisa makambani pamwe neveruzhinji kuti vabatsirikane munyaya dzehupfumi munguva yeNational Lockdown.

Mapato anopikisa anobatana nemasangano akazvimirira pamwe neanorwira kodzero dzevanhu mukushoropodza zvakadzama mashoko eZanu PF ekukurudzira vatsigiri vebato iri kuisa mutemo mamaoko avo pamwe nekutyityidzira kuri kuita bato iri, iro riri kuti rinogona kudzinga vamiriri veAmerica muZimbabwe.

Vanorwira kodzero dzevanhu voshushikana zvikuru nekusagadzikana kwaita zvinhu munyika

Muchirongwa cheThe Connection na8pm tiri kutarisa mamiriro akaita zvinhu munyika pamwe nekuvhiringa kwazviri kuita vechidiki

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG