Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chipiri, Chikumi 23, 2020


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7

Huwandu hwevanhu vabatwa nechirwere cheCovid-19 munyika hwakakwira nezuro kusvika pamazana mashanu negumi nevaviri, vafa vari vatanhatu.

MDC inotungamirwa naMuzvare Thokozani Khupe inodzinga nhengo pfumbamwe dzeNational Assembly dzinosanganisira VaAmos Chibaya, VaHappymore Chidziva naVaMurisi Zwizwai. Mune chimwe chiitiko, bato iri raendesa mberi kongiresi yaro yanga ichifanirwa kuitwa muna Chikunguru richiti kuita kongiresi iyi kunoisa hupenyu hwevanhu munjodzi yechirwere cheCovid-19

Vadzidzi vasere vepaChinhoyi University of Technology vanosungwa vachipomerwa mhosva yekuungana vaine chinangwa chekuita mhirizhonga.

Bhanga guru renyika reReserve Bank of Zimbabwe nhasi raparura musika wekutenga nekutengesa mari yekunze kana kuti foreign currecncy auction nechinangwa chekuyedza kumisa vanhu kuenda kunotenga mari iyi pamukoto zvinonzi nehurumende zvapa kuti dhora remunyika rishaye simba. Asi nyanzvi munyaya dzezvehupfumi dzinoti hadzione zviri kuitwa nehurumende zvichinyanya kubatsira.

Muchirongwa cheThe Connection na8pm tiri kutarisa zviri kuitwa nevechidiki munyaya dzekurwisa chirwere cheCovid-19

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG